Tuesday, November 18, 2014

Toyota Mirai - hapana chekumirira apa

Nhasi ndati regai ndimboedza kuita ongororo yengoro yemoto ichangoburwa nekambani yeToyota.
Zvinonzi chitsva chiri murutosoka, asi rutsoka uwru rwunoda vane homwe dzakasimba.

Muchovha uyu uri kudaidzwa nezita rekuti Mirai, ungangova iwo muchovha uchakonzera masaisai mubhizimisi rezvekugadzirwa kwedzimotokari.

Mutungamiri we Toyota, VaAkio Toyoda vanoti, "Motokari iyi inotendera kuti uve nezvose pasina kudimbudzira kana kujoinidza...

Mirai zvinoreva, "ramangwana" neChiJapanizi, ichabatsira mukuchengedzaa hutsanana hwemuchadenga uye kuti pasi rose rive nemamiriro akafanana neruvara rwemashizha (green).

VaToyoda vanoenderera mberi vachiti, "Nhasi tasvika pachikamu chekukomuka (turning point) mubhizimusi rekugadzirwa kwedzimotokari apo vanhu vachagamuchira mota itvsa, inehushamwari nenharaunda uye inonakidza kuchaira. Chikamu chekukomuka chinoita kuti mota dzine mipaka mitatu (sedan) dzikwanise kufamba makiromika mazana mashanu patengi rimwechete rehaidirogeni (hydrogen). Mirai inokwanisa kuzadziswazve nemafuta munguva isingpfuuri maminetsi mashanu uye ichingoburitsa chiutsi chemvura chete.

Sezvandamboreva, Mirai inoda vane homwe dzakasimba. Painopinda pamusika kekutanga ichange ichidaidzira zviuru makumi mashanu nenomwe nemazana mashanu (USD57 500). Chigutswa chikuru pakutenga Mirai ndechekuwana pekuzoinwisa mafuta emhando yehaidirojeni kunyanya munyika dzemuAfurika munotora nguva kuvaka kwezvinhu.

Chimwe chinhu chinofadza panaMirai ndechekuti mafuta ayo anogona kugadzirwa nezvinhu zvakasiyana siyana kunyangwe marara chaiwo! Izvi zvichaita kuti nekufamba kwenguva vafambi vemota vakwanise kushandisa mafuta mashoma anokonzera kusvibiswa kwemhepo nenharaunda dzedu.
Mirai inodakadzazve nekuti kachikamu kanoshandura mafuta kuti ave magetsi kari mairi (fuel cell), kanounga magetsi anokwanisa kushandiswa nemba yese kwesvondo rese.
 Kune vanofarira havo zvekufara, chimbotsvagai nyambo dzinokodza moyo nekuti zita remota iyi....mmmmmm....Mirai....hameno? 
Ndirikungoona vanamai vachibvunza kuti "ko makatenga mota rudziioko?" iwe wopindura uchiti, "Mirai amai" amai vongoramba vakakutarisa kusvika vazobvunzavwe "ko tirikumirireiko tati wakatenga mota mhandoi?" 

Ko ikapera iyo haidirojeni muri kuUzumba munozokwanisa here kuenda nechigubhu kunotenga imwe? Isu zvedu vekuZimbabwe, tikaitenga tingasazotadza here kutoshandisa iko kachikamu kanoshandura mafuta kuita magetsi (fuel cell) aka mudzimba dzedu tikapedza mutauro neZESA?

Zvimwe zvese padivi, Mirai inovimbisa kuve motokari ichashandura mutambo wekugadzira motokori sekuziva kwatinouita. Chasara kuona kuti veToyota vangakwanise here kugadzira Mirai anotengeka neveruzhinji.

Friday, September 12, 2014

Tendai Mwari Nhasi Chishanu (TMNC)

Tendai Mwari nhasi Chishanu vadiwa.
Mucharangarira here kambo kaya Ka"Joni Kiregi" (Johnny Clegg) neJuruka (Juluka) kainzi "Woza Friday"
Muchaziva here kachiridzwa pachirongwa "Kanda papfudzi tinange muzinda"?
Aive mazuva egundamusaira munyika yeZimbabwe. Teni dhora tsuku iya ichashatenga girosa resvondo rese.
Vanotambira neChishanu ndipo pavaipatsanura makumi mairi akatakura nzou, iri tiwendi dhora iyo.

Waizomboda here vemasese vodzedzereka vakatakura zvingoto. Maticha vachatambira mari yekutenga hutsvuku nekupemwa musoro. Vanodziya musoro vodhakiwa nechatewu (Chateau).

Ndipo paya pwere dzotenga magoromonzi (apricots) kana kuti mazadzadama (jawbreaker), maniga (cannon balls), neaizikirimu yemurume wedheribhodi.

Vanamai masipunu ochorwa zvino nekukanga huku, maitoziva kuti kamwe kanyama kachasara ndekababa kekubvisa bhabharasi Mugovera makuseni. 

Nhau dzaizoverengwa naAlice Mutema dzechiNdevere dzoitwa naSithokozile Mpala, dzichibva kuVoice of Zimbabwe dzichitaura nezveMutungaimiri Wenyika, Mukuru wemakurukota,  Comrade Robert Gabriel Mugabe. 

Ndasuwa mazuva aya asi ngatitendei Mwari kuti nhasi Chishanu nekambo aka:



Thursday, September 11, 2014

Iye Osika uyu

Nganga ndigere hangu ndakateya nzeve kuna Mutongi Masipa. Ndaedza kuongorora mamwe mazwi erurimi rwechiRatini neechiRungu aisevenzeswa munhunha yaOsika Pisitoriasi kuti ndiaturire nechiShona asi ndatadza.
Zvandipa kuti ndibvunze vanamazvikokota mururimi rwechiShona kuti vandibatsirewo.

Cricket Bat = Tsvimbo yekiriketi
Paralympian = Akamboenda kumaOlympics asina kunyatsokwana (apa tarisai muduramazwi kuti para zvinorevei mondibatsirawo)
Premeditated murder = umhondi hwakazeyiwa/hwakarongwa
Culpable homicide = umhondi hwetsaona
Closing Evidence = Umboo hwekuvhara
Defense = Huvhiki
Prosecutor = murovereri
Zombie stopper = chimiso chezvipoko
Assessor = muongorori
Verdict = mutongo
Reflex action = kuita kunokonzerwa zvirikuitika
Startle action = kuita kwekuvhundukira
Stumps = zvigutswa
Blood curdling = kusapura ropa
Dolus eventualis = maune maererano nemutemo
Glock 27 40 calibre pistol = Chivhorovhoro chemhando ye Glock makumi mairi nenomwe makumi mana
Negligence = uyanga

Wednesday, February 19, 2014

Huchenjeri huri mumatongo

Mundangariro dzangu, mazwi aVaShumba anoungira. Ndinonzwa izwi ravo vachidakadza kutaura nezveUzumba kwavakabva. Kukura kwedu taingoshanya kumatongo nenguva dziri kure. Musha wavakasosiya vachiri ndumurwa wakange rangova dongo, chimumvurimvuri chemakarekare. Tichiona kamba kematanda kakange kamire koga semuraswa, mupfungwa dzedu nzwisiso yehukoshi hwekurangarira matongo yakange isati yadzika midzi.
“Kumatongo kunoda kugaroendwa.” VaShumba vaidaro. “Ndiko kuti muskanganwe kwamakabva, uye kuti munyatsoona kwamuri kuenda.”
Ndigere hangu murunyararo rwekamuri yangu yekurara, ndangariro dzondisvitsa pamazuva akare VaShumba vachiraira. Hazvinei kuti kumatongo kwako kwakamira sei, asi usakanganwe kwawakabva, kwakabva madzibaba nemadzimai edu. Ndichirangarirazve kamba kematanda kari Uzumba, ndinotenda Mwari nepavatisvitsa. Ndorangarirazve kuti Musikavanhu anosimudza marombe kubva muguruva. VaShumba, ndumure yakadzidza kukunda hunherera, ikava chikomana chakadzidza hupenyu nguva yekuva pwere isati yakwana, asi topembera notkuti chaitemura chave kuseva. Chaitemura chakatidzidzisa kusapfachura dura. Chaitemura chakatidzidzisa hurombo huroyi. Nekuziva kwatakabva, torwa hondo nenhamo, tisadzokerezve mugurva, tisadzokerezve mukuve chiseko.

Nyika yeZimbabwe,  matongo edu akatekeshera nyika yose. Mamwe marinda evakatirwira hondo yerusununguko, mamwe mahofisi azere nenhoroondo yenyika. Mamwe matongo amire Masvingo, munyika yevaRozvi kusvika parere vanaMutapa naMzilikazi. Tisakanganwe zvidzidzo zviri mumatongo aya. Zvinopatsanura kuti tidzidze kubatana, zvinobatanidza kuti tisimbise hutare hunovaka nyika. Tidzidze zvaidzorera kumashure kuti tienderere mberi, zvinokutrudzira budiriro kuti nyika yedu iwane mbiri muzvinokudzwa.