Tuesday, November 18, 2014

Toyota Mirai - hapana chekumirira apa

Nhasi ndati regai ndimboedza kuita ongororo yengoro yemoto ichangoburwa nekambani yeToyota.
Zvinonzi chitsva chiri murutosoka, asi rutsoka uwru rwunoda vane homwe dzakasimba.

Muchovha uyu uri kudaidzwa nezita rekuti Mirai, ungangova iwo muchovha uchakonzera masaisai mubhizimisi rezvekugadzirwa kwedzimotokari.

Mutungamiri we Toyota, VaAkio Toyoda vanoti, "Motokari iyi inotendera kuti uve nezvose pasina kudimbudzira kana kujoinidza...

Mirai zvinoreva, "ramangwana" neChiJapanizi, ichabatsira mukuchengedzaa hutsanana hwemuchadenga uye kuti pasi rose rive nemamiriro akafanana neruvara rwemashizha (green).

VaToyoda vanoenderera mberi vachiti, "Nhasi tasvika pachikamu chekukomuka (turning point) mubhizimusi rekugadzirwa kwedzimotokari apo vanhu vachagamuchira mota itvsa, inehushamwari nenharaunda uye inonakidza kuchaira. Chikamu chekukomuka chinoita kuti mota dzine mipaka mitatu (sedan) dzikwanise kufamba makiromika mazana mashanu patengi rimwechete rehaidirogeni (hydrogen). Mirai inokwanisa kuzadziswazve nemafuta munguva isingpfuuri maminetsi mashanu uye ichingoburitsa chiutsi chemvura chete.

Sezvandamboreva, Mirai inoda vane homwe dzakasimba. Painopinda pamusika kekutanga ichange ichidaidzira zviuru makumi mashanu nenomwe nemazana mashanu (USD57 500). Chigutswa chikuru pakutenga Mirai ndechekuwana pekuzoinwisa mafuta emhando yehaidirojeni kunyanya munyika dzemuAfurika munotora nguva kuvaka kwezvinhu.

Chimwe chinhu chinofadza panaMirai ndechekuti mafuta ayo anogona kugadzirwa nezvinhu zvakasiyana siyana kunyangwe marara chaiwo! Izvi zvichaita kuti nekufamba kwenguva vafambi vemota vakwanise kushandisa mafuta mashoma anokonzera kusvibiswa kwemhepo nenharaunda dzedu.
Mirai inodakadzazve nekuti kachikamu kanoshandura mafuta kuti ave magetsi kari mairi (fuel cell), kanounga magetsi anokwanisa kushandiswa nemba yese kwesvondo rese.
 Kune vanofarira havo zvekufara, chimbotsvagai nyambo dzinokodza moyo nekuti zita remota iyi....mmmmmm....Mirai....hameno? 
Ndirikungoona vanamai vachibvunza kuti "ko makatenga mota rudziioko?" iwe wopindura uchiti, "Mirai amai" amai vongoramba vakakutarisa kusvika vazobvunzavwe "ko tirikumirireiko tati wakatenga mota mhandoi?" 

Ko ikapera iyo haidirojeni muri kuUzumba munozokwanisa here kuenda nechigubhu kunotenga imwe? Isu zvedu vekuZimbabwe, tikaitenga tingasazotadza here kutoshandisa iko kachikamu kanoshandura mafuta kuita magetsi (fuel cell) aka mudzimba dzedu tikapedza mutauro neZESA?

Zvimwe zvese padivi, Mirai inovimbisa kuve motokari ichashandura mutambo wekugadzira motokori sekuziva kwatinouita. Chasara kuona kuti veToyota vangakwanise here kugadzira Mirai anotengeka neveruzhinji.