Wednesday, February 19, 2014

Huchenjeri huri mumatongo

Mundangariro dzangu, mazwi aVaShumba anoungira. Ndinonzwa izwi ravo vachidakadza kutaura nezveUzumba kwavakabva. Kukura kwedu taingoshanya kumatongo nenguva dziri kure. Musha wavakasosiya vachiri ndumurwa wakange rangova dongo, chimumvurimvuri chemakarekare. Tichiona kamba kematanda kakange kamire koga semuraswa, mupfungwa dzedu nzwisiso yehukoshi hwekurangarira matongo yakange isati yadzika midzi.
“Kumatongo kunoda kugaroendwa.” VaShumba vaidaro. “Ndiko kuti muskanganwe kwamakabva, uye kuti munyatsoona kwamuri kuenda.”
Ndigere hangu murunyararo rwekamuri yangu yekurara, ndangariro dzondisvitsa pamazuva akare VaShumba vachiraira. Hazvinei kuti kumatongo kwako kwakamira sei, asi usakanganwe kwawakabva, kwakabva madzibaba nemadzimai edu. Ndichirangarirazve kamba kematanda kari Uzumba, ndinotenda Mwari nepavatisvitsa. Ndorangarirazve kuti Musikavanhu anosimudza marombe kubva muguruva. VaShumba, ndumure yakadzidza kukunda hunherera, ikava chikomana chakadzidza hupenyu nguva yekuva pwere isati yakwana, asi topembera notkuti chaitemura chave kuseva. Chaitemura chakatidzidzisa kusapfachura dura. Chaitemura chakatidzidzisa hurombo huroyi. Nekuziva kwatakabva, torwa hondo nenhamo, tisadzokerezve mugurva, tisadzokerezve mukuve chiseko.

Nyika yeZimbabwe,  matongo edu akatekeshera nyika yose. Mamwe marinda evakatirwira hondo yerusununguko, mamwe mahofisi azere nenhoroondo yenyika. Mamwe matongo amire Masvingo, munyika yevaRozvi kusvika parere vanaMutapa naMzilikazi. Tisakanganwe zvidzidzo zviri mumatongo aya. Zvinopatsanura kuti tidzidze kubatana, zvinobatanidza kuti tisimbise hutare hunovaka nyika. Tidzidze zvaidzorera kumashure kuti tienderere mberi, zvinokutrudzira budiriro kuti nyika yedu iwane mbiri muzvinokudzwa.