Mundangariro dzangu, mazwi aVaShumba anoungira. Ndinonzwa
izwi ravo vachidakadza kutaura nezveUzumba kwavakabva. Kukura kwedu
taingoshanya kumatongo nenguva dziri kure. Musha wavakasosiya vachiri ndumurwa wakange rangova dongo, chimumvurimvuri chemakarekare. Tichiona kamba kematanda
kakange kamire koga semuraswa, mupfungwa dzedu nzwisiso yehukoshi
hwekurangarira matongo yakange isati yadzika midzi.
“Kumatongo kunoda kugaroendwa.” VaShumba vaidaro. “Ndiko
kuti muskanganwe kwamakabva, uye kuti munyatsoona kwamuri kuenda.”
Ndigere hangu murunyararo rwekamuri yangu yekurara,
ndangariro dzondisvitsa pamazuva akare VaShumba vachiraira. Hazvinei kuti
kumatongo kwako kwakamira sei, asi usakanganwe kwawakabva, kwakabva madzibaba
nemadzimai edu. Ndichirangarirazve kamba kematanda kari Uzumba, ndinotenda
Mwari nepavatisvitsa. Ndorangarirazve kuti Musikavanhu anosimudza marombe kubva
muguruva. VaShumba, ndumure yakadzidza kukunda hunherera, ikava chikomana
chakadzidza hupenyu nguva yekuva pwere isati yakwana, asi topembera notkuti
chaitemura chave kuseva. Chaitemura chakatidzidzisa kusapfachura dura.
Chaitemura chakatidzidzisa hurombo huroyi. Nekuziva kwatakabva, torwa hondo
nenhamo, tisadzokerezve mugurva, tisadzokerezve mukuve chiseko.
Nyika yeZimbabwe, matongo
edu akatekeshera nyika yose. Mamwe marinda evakatirwira hondo yerusununguko,
mamwe mahofisi azere nenhoroondo yenyika. Mamwe matongo amire Masvingo, munyika
yevaRozvi kusvika parere vanaMutapa naMzilikazi. Tisakanganwe zvidzidzo zviri
mumatongo aya. Zvinopatsanura kuti tidzidze kubatana, zvinobatanidza kuti
tisimbise hutare hunovaka nyika. Tidzidze zvaidzorera kumashure kuti tienderere
mberi, zvinokutrudzira budiriro kuti nyika yedu iwane mbiri muzvinokudzwa.