Showing posts with label Shona. Show all posts
Showing posts with label Shona. Show all posts

Wednesday, February 19, 2014

Huchenjeri huri mumatongo

Mundangariro dzangu, mazwi aVaShumba anoungira. Ndinonzwa izwi ravo vachidakadza kutaura nezveUzumba kwavakabva. Kukura kwedu taingoshanya kumatongo nenguva dziri kure. Musha wavakasosiya vachiri ndumurwa wakange rangova dongo, chimumvurimvuri chemakarekare. Tichiona kamba kematanda kakange kamire koga semuraswa, mupfungwa dzedu nzwisiso yehukoshi hwekurangarira matongo yakange isati yadzika midzi.
“Kumatongo kunoda kugaroendwa.” VaShumba vaidaro. “Ndiko kuti muskanganwe kwamakabva, uye kuti munyatsoona kwamuri kuenda.”
Ndigere hangu murunyararo rwekamuri yangu yekurara, ndangariro dzondisvitsa pamazuva akare VaShumba vachiraira. Hazvinei kuti kumatongo kwako kwakamira sei, asi usakanganwe kwawakabva, kwakabva madzibaba nemadzimai edu. Ndichirangarirazve kamba kematanda kari Uzumba, ndinotenda Mwari nepavatisvitsa. Ndorangarirazve kuti Musikavanhu anosimudza marombe kubva muguruva. VaShumba, ndumure yakadzidza kukunda hunherera, ikava chikomana chakadzidza hupenyu nguva yekuva pwere isati yakwana, asi topembera notkuti chaitemura chave kuseva. Chaitemura chakatidzidzisa kusapfachura dura. Chaitemura chakatidzidzisa hurombo huroyi. Nekuziva kwatakabva, torwa hondo nenhamo, tisadzokerezve mugurva, tisadzokerezve mukuve chiseko.

Nyika yeZimbabwe,  matongo edu akatekeshera nyika yose. Mamwe marinda evakatirwira hondo yerusununguko, mamwe mahofisi azere nenhoroondo yenyika. Mamwe matongo amire Masvingo, munyika yevaRozvi kusvika parere vanaMutapa naMzilikazi. Tisakanganwe zvidzidzo zviri mumatongo aya. Zvinopatsanura kuti tidzidze kubatana, zvinobatanidza kuti tisimbise hutare hunovaka nyika. Tidzidze zvaidzorera kumashure kuti tienderere mberi, zvinokutrudzira budiriro kuti nyika yedu iwane mbiri muzvinokudzwa.

Tuesday, November 12, 2013

Zvirevo ZvaVaShumba

VaShumba vaizonda munhu akangwarira paduri sehuku. Vaigaroti “Munhu ngaadzikame pane vanhu.” Munhu ngaaratidze chimiro chakanaka kwete kuita kamuchacha huku yekamuteteriende. Mukusaziva kwepwere taiti VaShumba vanodakadza, izvo vaireva. Kana miromo yevakuru isingawiri pasi, waVaShumba waive pfumo mumaoko ejinda guru risingapotsi.
Zvinonzi afamba apota, tikati tapota nayo nyika. Topesana navo vakabva ngarande, veJoni, matariyana, vekumakwenga nevanobva muchando, asi mukufamba zvinonzi usakanganwe pakawira rukuvhute. Chatisingakanganwe zvidzidzo zvatakapiwa tichisiya matendere.

Maruva enyika haaperi, anodakadza kwekanguvana asi mukuguma kwazvo, maruva ane mazuva akatarwa, anosvava, anopeperedzwa nemhepo, nekufamba kwenguva ndangariro dzehuvepo hwawo hapana anotondera. Mwana weZimbabwe usakanganwe nyika nekukura kwayo haungaidyi ukaipedza.
Ngatifare asi toziva kuti tikati fare fare toti tindike nokuti tungoma kana tworirisa, twave pedyo nekubvaruka. Ngatisakanganwe kuti mwana musikana ane hunhu anowakikwawo neane hunhu. Torangarirawo kuti, kuti uwane mudzimai anoverengwawo pane vamwe, ivawo murume pane vamwe mumaitiro, matauriro nemafambiro.

Mwana weZimbabwe ziva kuti fundo, idenhe reruzivo, dende rizere nehupenyu uye kushaiwa zivo kuparara kwemunhu. Torangarirazve kuti zivo isina uchenjeri, ichefu mumaoko meanoda kuzviuraya. 
Mwana weZimbabwe usakanganwe vakuru vanokwaziswa, hazvinei vatorwa. Munhu haadadirwe, vamwe vakatsenga mvura ikabuda masese vasingazive kuti ndokutorasa akatakura korona heumambo.
Pawasvika, siya wazunza huruva yezivo nemadonhwe erunyararo. Ratidza chimiro chemunhu akabva kuvanhu, kwete kuita kamuchacha, huku yekamuteteriende.